Skip to product information
1 of 1

Carnelian Heart Publishing Ltd

Shamhu Yezera Renyu (Shona Edition) - 9781914287114

Shamhu Yezera Renyu (Shona Edition) - 9781914287114

ISBN-13: 9781914287114
Regular price $18.02
Regular price Sale price $18.02
Sale Sold out
Shamhu yeZera Renyu iyeuchidzo yekuti; shamhu kana bazi remuti raunomhara pariri ndiro rinokupa muono wezera rako maringe nekuti rakatunhumara zvakadini! Ichokwadi kuti shiri inomhara pashamhu kana pamufaro wakaringana nayo. Mubhuku iri Memory Chirere anoshandisa chidavado chekutevera nyaya sasarungano. Mune tunzendo nekupemhena; kukwira nekudzika nekuzvongonyoka uchitsvaga pekubuda kana pekupinda napo... Kutsvaga kuti zvose zvinouya pamunhu zvakatangira kupi? Kwozoita izwi remupfuurinenzira ari kuona asi iye asingaonekwe! -Robert Masunga, Lecturer, Birmingham, UK Nhetembo dzaVaChirere dzinondiyeuchidza mbira nyunganyunga yandinoridza. Nyunganyunga yaridzwa kwemakore mazhinji zvekuti ungatofunga kuti hapana chimwe chitsva chingaitwe nayo. Ine mazino mashoma, ukapusa hauna zvizhinji zvaunoridza pairi. Saka zvinoda unyanzvi neumhizha sehwaVaChirere kuita zvishamiso uchishandisa chinhu chemazuva ese kudai. -Hope Masike, Gwenyambirakadzi, The Sunday Mail, Zimbabwe Mubhuku rake rino renhetembo rechipiri kubva pana Bhuku Risina Basa, Memory Chirere ari kuenda mberi nekutitora mapikicha achishandisa mazwi. Tinozviona nokuti tiri vanhu vari kurarama munguva imwechete naye. -Prof Ruby Magosvongwe, University of Zimbabwe


  • | Author: Memory Chirere
  • | Publisher: Carnelian Heart Publishing Ltd
  • | Publication Date: Jun 23, 2023
  • | Number of Pages: 92 pages
  • | Language: Shona
  • | Binding: Paperback
  • | ISBN-10: 1914287118
  • | ISBN-13: 9781914287114
View full details